Psalms 78

Masikiri raAsafi.

1Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu;
teererai mashoko omuromo wangu.
2Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo,
ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,
3zvatakanzwa nezvatakaziva,
zvatakaudzwa namadzibaba edu.
4Hatingazozvivanziri vana vavo;
tichaudza rudzi runotevera
mabasa angarumbidzwa aJehovha,
simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
5Akatema zvirevo zvaJakobho
akasimbisa murayiro muIsraeri,
waakarayira madzitateguru edu
kuti vadzidzise vana vavo,
6kuti rudzi runotevera ruzvizive,
kunyange vana vachazoberekwa,
naivo vagozoudzawo vana vavo.
7Ipapo vachavimba naMwari wavo
uye havangazokanganwi mabasa ake
asi vachazochengeta mirayiro yake.
8Havazofanani namadzitateguru avo,
rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira,
mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari,
mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.

9Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta,
vakadzokera shure pazuva rokurwa;
10havana kuchengeta sungano yaMwari,
uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.
11Vakakanganwa zvaakaita,
zvishamiso zvaakavaratidza.
12Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo
munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.
13Akapamura gungwa akavayambutsa napakati;
akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.
14Akavatungamirira negore masikati,
uye nechiedza chomoto usiku hwose.
15Akapamura ruware mugwenga
akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;
16akabudisa hova dzemvura paruware
akaita kuti iyerere seyenzizi.

17Asi vakaramba vachingomutadzira,
vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.
18Vakaedza Mwari nobwoni
vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.
19Vakapopotera Mwari, vachiti,
“Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?
20Paakarova dombo, mvura yakatubuka,
uye hova dzakayerera mvura zhinji.
Asi angagona kutipawo zvokudya here?
Angavigira vanhu vake nyama here?”
21Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo;
moto wake ukaveserwa Jakobho,
uye hasha dzake dzikamukira Israeri,
22nokuti havana kutenda muna Mwari
kana kuvimba nokurwira kwake.
23Asi akarayira matenga kumusoro
akazarura makonhi okumatenga;
24akanayisa mana kuti vanhu vadye,
akavapa zviyo zvokudenga.
25Vanhu vakadya chingwa chavatumwa;
akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.
26Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga,
uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.
27Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva,
shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa.
28Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo,
dzakapoteredza matende avo ose.
29Vakadya kusvikira vaguta kwazvo,
nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga.
30Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira,
kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo,
31kutsamwa kwaMwari kwakavamukira;
akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo,
akaparadza majaya eIsraeri.

32Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza;
kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda.
33Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo,
uye makore avo mukutya.
34Pose pavaiurayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka;
vaishingairira kudzokerazve kwaari.
35Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo,
kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.
36Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo,
vachimurevera nhema nendimi dzavo;
37mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari,
vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38Kunyange zvakadaro
iye akavanzwira tsitsi;
akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza.
Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake,
uye haana kumutsa hasha dzake dzose.
39Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi,
mhepo inopfuura isingadzoki.

40Vakamumukira mugwenga kazhinji sei,
uye vakamuitisa shungu murenje!
41Vakaedza Mwari vamuedzazve;
vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.
42Havana kurangarira simba rake,
zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,
43zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti,
zvishamiso zvake mudunhu reZoani.
44Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa;
havana kugona kunwa muhova dzavo.
45Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza,
uye matatya akavaparadza zvikuru.
46Akapa zviyo zvavo kumagutaguta
nezvibereko zvavo kumhashu.
47Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe,
uye namaonde emionde yavo nechando.
48Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe,
nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.
49Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo,
hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake,
boka ravatumwa vokuparadza.
50Akagadzira nzira yokutsamwa kwake;
haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.
51Akauraya matangwe ose eIjipiti,
chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.
52Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai;
akavatungamirira samakwai nomugwenga.
53Akavafambisa norugare,
asi gungwa rakamedza vavengi vavo.
54Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene,
kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.
55Akadzinga ndudzi mberi kwavo,
akagovera nyika yavo kwavari senhaka;
akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.

56Asi vakaedza Mwari
uye vakamukira Wokumusoro-soro;
vakasachengeta zvirevo zvake.
57Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo,
vasingavimbiki souta hunonyengera.
58Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira;
vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
59Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo;
akaramba Israeri zvachose.
60Akasiya tabhenakeri yeShiro,
iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.
61Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa,
kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
62Akaisa vanhu vake kumunondo;
akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.
63Moto wakaparadza majaya avo,
uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;
64vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo,
uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.

65Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira,
somunhu amuka pakubatwa newaini.
66Akarova vavengi vake vakadzokera shure;
akavanyadzisa nokusingaperi.
67Ipapo akaramba matende aJosefa,
haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;
68asi akasarudza rudzi rwaJudha,
Gomo reZioni, raakada.
69Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira,
senyika yaakasimbisa nokusingaperi.
70Akasarudza Dhavhidhi muranda wake,
akamutora kumatanga amakwai;
71akamubvisa pakufudza makwai
kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho,
vaIsraeri nhaka yake.
72Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo;
akavatungamirira namaoko ouchenjeri.
Copyright information for SnaBDSC